Psalms 49

Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema.

1Inzwai izvi, imi vanhu mose;
teererai imi mose mugere panyika,
2vapasi navapamusoro,
vapfumi navarombo pamwe chete.
3Muromo wangu uchataura nouchenjeri;
kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.
4Ndicharerekera nzeve yangu kuchirahwe;
nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika.

5Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya,
kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza,
6vaya vanovimba nepfuma yavo
vanozvikudza nepfuma yavo zhinji?
7Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe
kana kupa Mwari rudzikinuro rwake,
8rudzikinuro rwoupenyu runokosha,
hakuna muripo unoringana nahwo,
9kuti ararame nokusingaperi
uye kuti asaona kuora.

10Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa;
mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa,
uye vanosiyira vamwe pfuma yavo.
11Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi,
nougaro hwavo kusvikira kuzvizvarwa zvisingaperi,
kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo.

12Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari;
akafanana nemhuka dzinofa.

13Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita,
namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura. Sera
14Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva,
uye rufu ruchavadya.
Vakarurama vachavatonga mangwanani;
chimiro chavo chichaora murinda,
kure nedzimba dzavo dzoumambo.
15Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva,
zvirokwazvo achanditora iye. Sera

16Usanyanya kutya kana munhu apfuma,
kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa;
17nokuti haana chaachatora paanofa;
kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda.
18Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa,
uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira,
19achabatana norudzi rwamadzibaba ake,
vasingazoonizve chiedza choupenyu.

20Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi
akaita semhuka dzinofa.
Copyright information for SnaBDSC